Galatians 4

1Zvandinoreva ndezvokuti kana mudyi wenhaka achiri mwana, haana kusiyana nenhapwa, kunyange hazvo ari muridzi wezvinhu zvose. 2Ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa vake. 3Saizvozvowo, patakanga tiri vana, takanga tiri muutapwa pasi pezvokuvamba zvenyika. 4Asi nguva yakati yakwana, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, 5kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana. 6Nokuda kwokuti muri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu, Mweya anodana achiti, “Abha, Baba.” 7Saka hamuchisiri nhapwa, asi vanakomana; uye sezvo muri vanakomana, Mwari akakuitaiwo vadyi venhaka.

Shungu dzaPauro pamusoro pavaGaratia

8Kare, pamakanga musingazivi Mwari, makanga muri nhapwa kuna avo vakanga vasiri vamwari chaivo. 9Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here? 10Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore! 11Ndinokutyirai kuti zvichida ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu.

12Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira. 13Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri. 14Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye. 15Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai zvaibvira, mungadai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri. 16Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here?

17Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira. 18Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi. 19Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri, 20ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure matauriro angu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu.

Hagari naSara

21Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuzivi here zvinoreva murayiro? 22Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe nomukadzi woutapwa uye mumwe nomukadzi akasununguka. 23Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa.

24Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari. 25Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo. 26Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu.

27Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:

“Fara iwe mukadzi asingabereki,
asingabereki vana;
pembera udanidzire,
iwe usingarwadziwi nokubereka;
nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinji
kupfuura vouyo ano murume.”
28Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa saIsaka. 29Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi. 30Asi Rugwaro runoti kudiniko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi haangatongogovani nhaka nomwanakomana womukadzi akasununguka.” 31Naizvozvo, hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka.

Copyright information for SnaBDSC